John 18

Kusungwa kwaJesu

1Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake.

2NaJudhasiwo, wakamutengesa, wakange achiziva nzvimbo iyi; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake. 3Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru neVaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo. 4Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvese zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka? 5Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa wakange amire navo. 6Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi. 7Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta. 8Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende; 9kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo. 10Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi. 11Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongounwi here?

Jesu anoiswa kuna Anasi

12Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa eVaJudha vakabata Jesu, vakamusunga, 13ndokutanga kumuendesa kuna Anasi; nokuti wakange ari mukarahwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro. 14Zvino Kayafasi ndiye wakange araira VaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi.

Kuramba kwaPetro

15Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muchivanze chemupristi mukuru; 16asi Petro wakange amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikanwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro. 17Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi. 18Zvino varanda nemapurisa vakange vamire vavesa moto wemazimbe, nokuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya.

19Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake. 20Jesu akamupindura akati: Ini ndakataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzese musinagoge nemutembere, panoungana VaJudha nguva dzese, uye handina kureva chinhu pakavanda. 21Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva. 22Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa wakange amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo? 23Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei? 24Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru. 25Zvino Simoni Petro wakange amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausi iwewo umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi.

26Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here? 27Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira.

Jesu pamberi paPirato

28Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika. 29Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu? 30Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva anoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri. 31Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu; 32kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako.

33Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo weVaJudha here? 34Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu? 35Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei? 36Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuVaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwepano. 37Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi anonzwa inzwi rangu. 38Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuVaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari. 39Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here? 40Ipapo vakadanidzirazve vese, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi wakange ari gororo.

Copyright information for Shona